Isaiah 22

Chiprofita pamusoro peJerusarema

1Chirevo pamusoro poMupata weChiratidzo:

Chii chinokutambudzai zvino,
zvokuti mose makwira pamusoro pamatenga edzimba?
2Haiwa guta rizere nemheremhere,
haiwa guta renyonganyonga nokupembera?
Vakaurayiwa venyu havana kubayiwa nomunondo,
kana kufira muhondo.
3Vatungamiri vako vose vatiza pamwe chete;
vabatwa pasina kushandiswa uta.
Mose imi makabatwa mukaitwa vasungwa pamwe chete,
kunyange makanga matiza muvengi achiri kure.
4Naizvozvo ndakati, “Endai kure neni;
regai ndicheme kwazvo.
Musaedza kundinyaradza
pamusoro pokuparadzwa kwavanhu vangu.”

5Ishe, Jehovha Wamasimba Ose,
ane zuva renyonganyonga nerokutsikira
pasi nokutyisa muMupata woKuratidza,
zuva rokukoromorera masvingo
pasi nerokudanidzira kumakomo.
6Eramu anotora goba,
pamwe chete navatasvi vamabhiza nengoro;
Kiri anofudugura nhoo.
7Mipata yako yakaisvonaka yakazara nengoro,
uye vatasvi vamabhiza vakaiswa pamasuo eguta;
8kudzivirirwa kweJudha kwakabviswa.

Uye pazuva iro makatarira,
kuzvombo muMuzinda weSango;
9makaona kuti Guta raDhavhidhi
raiva napakakoromoka pakawanda
munzvimbo dzokudzivirira;
makazvichengetera mvura muDziva reZasi.
10Makaverenga dzimba muJerusarema,
mukaondomora dzimba kuti musimbise rusvingo.
11Makavaka gungwa pakati pamasvingo maviri,
kuti muchingidzire mvura yomudziva rakare,
asi hamuna kutarira kuna Iye akariita,
kana kuva nehanya naIye akazvironga kare.

12Ishe, Jehovha Wamasimba Ose,
akakudaidzai pazuva iro
kuti mucheme uye muungudze,
kuti mudzure bvudzi renyu uye mufuge masaga.
13Asi tarirai, kune mufaro nokupembera,
kubayiwa kwemombe nokuurayiwa kwamakwai,
kudyiwa kwenyama nokunwiwa kwewaini!
Munoti, “Ngatidyei uye tinwe,
nokuti mangwana tichafa!”
14Jehovha Wamasimba Ose akazivisa izvi munzeve dzangu achiti, “Kusvikira pazuva rokufa kwako, chivi ichi hachizokanganwirwi,” ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha Wamasimba Ose.

15Zvanzi naIshe, Jehovha Wamasimba Ose:

“Enda, undoti kumutariri uyu,
kuna Shebhina, mutariri womuzinda, uti kwaari:
16Uri kuitei pano uye ndiani akakupa mvumo
yokuti uzvicherere rinda pano,
uchizvivezera rinda rako pakakwirira
nokuzvivezera nzvimbo yako yokuzorora mudombo?

17“Hokoyo, Jehovha ava kuda kukuti dzvi,
agokurasira kure, iwe murume wesimba.
18Achakupomba-pomba sebhora
agokukanda munyika yakakura.
Ndimo mauchafira,
uye ngoro dzako dzine mbiri dzichasara imomo,
iwe wokunyadzisa imba yatenzi wako!
19Ndichakudzinga pabasa rako,
uye uchatandaniswa panzvimbo yako.
20“Pazuva iro ndichadana muranda wangu, Eriakimi mwanakomana waHirikia. 21Ndichamupfekedza nguo yako ndigomusimbisa nebhanhire rako uye ndigoisa masimba ako pamusoro pake. Achava baba kuna vagere muJerusarema nokuimba yaJudha. 22Ndichaisa papfudzi rake kiyi yeimba yaDhavhidhi; chaanenge azarura hapana angapfiga, uye chaanenge apfiga hapana angazarura. 23Ndichamuroverera sembambo panzvimbo yakasimba; achava chigaro chinokudzwa paimba yababa vake. 24Mbiri yeimba yababa vake ichaturikwa paari; matavi namabukira, nemidziyo midiki yose, kubva pamikombe kusvikira pamakate ose.

25“Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “mbambo yakarovererwa panzvimbo yakasimba ichabva; ichatemwa igowisirwa pasi, uye mutoro wakarembera pauri uchatemerwa pasi.” Jehovha ataura izvozvo.

Copyright information for SnaBDSC